Exodus 37

Areka

1Bhezareri akaita areka yamatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri nehafu
mamita angaita 1.1
, kubhiti rimwe nehafu
0.7 yemita
paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.
2Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza. 3Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi. 4Ipapo akaita mapango omuti womuunga uye akaafukidza negoridhe. 5Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.

6Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu
mamita angaita 1.1
pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafu
0.7 yemita
paupamhi.
7Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. 8Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro. 9Mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.

Tafura

10Vakagadzira tafura namatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri
0.9 yemita
, uye kubhiti rimwe chete
0.5 yemita
paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu
0.7 yemita
pakukwirira.
11Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza. 12Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruoko
masendimita angaita 8
ndokuisa hata yegoridhe pamukombero.
13Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo. 14Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura. 15Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuunga uye akanga akafukidzwa negoridhe. 16Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa.

Chigadziko choMwenje

17Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaripambadzira, chigadziko nerwiriko; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho. 18Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi. 19Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakanga zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvakanga zvakaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje. 20Uye pamusoro pechigadziko chomwenje paiva nemikombe mina yakanga yakaumbwa seruva romuarimondi namabukira uye namaruva makuru. 21Bukira rimwe chete rakanga riri pasi pamatavi maviri okutanga aibva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri rakanga riri pasi pamatavi maviri aitevera, uye bukira rechitatu rakanga riri pasi pamatavi mamwezve maviri, ose ari matanhatu pamwe chete. 22Mabukira namatavi zvaiva chinhu chimwe chete nechigadziko chomwenje, chegoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.

23Vakaita mwenje yacho minomwe, pamwe chete nembato dzacho uye nendiro dzacho, dzegoridhe rakaisvonaka. 24Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe chete
makirogiramu angaita 34
regoridhe rakaisvonaka.

Aritari yeZvinonhuhwira

25Vakaita aritari yezvinonhuhwira namatanda omuunga. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete
0.5 yemita
uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti maviri
0.9 yemita
pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo.
26Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza. 27Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura. 28Vakagadzira mapango omuti womuunga uye vakaafukidza negoridhe.

29Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira.

Copyright information for SnaBDSC